Hymn 225
Mira Se Gamba
Verse 1
MuKristu muka! Tenzi akutuma;
Nenhowo nemu-nondo mumaoko,
Enda, sangana nemuedzi shinga,
Mira segamba, utarise mhandu.
Nenhowo nemu-nondo mumaoko,
Enda, sangana nemuedzi shinga,
Mira segamba, utarise mhandu.
Chorus
Iwa gamba, Iwa gamba, Iwa gamba,
Utarise mhandu.
Utarise mhandu.
Verse 2
Kana mungozi, chenjera ngwarira,
Usadzokere, Hakuna chishangu;
Wakani wedima, Ungawakunde,
Mira segamba, utarise mhandu.
Usadzokere, Hakuna chishangu;
Wakani wedima, Ungawakunde,
Mira segamba, utarise mhandu.
Chorus
Iwa gamba, Iwa gamba, Iwa gamba,
Utarise mhandu.
Utarise mhandu.
Verse 3
Basa raTenzi dziwira nesimba;
Rinda udise, urwe kumagumo;
Kwa anokutuma, enda kasika,
Mira segamba utarise mhandu.
Rinda udise, urwe kumagumo;
Kwa anokutuma, enda kasika,
Mira segamba utarise mhandu.
Chorus
Iwa gamba, Iwa gamba, Iwa gamba,
Utarise mhandu.
Utarise mhandu.
Verse 4
Enda usatye, tenzi ari petyo,
Anopa tsitsi, nekukunyaradza;
Rudo rwake sekarwizi mugwenga;
Mira segamba, utarise mhandu.
Anopa tsitsi, nekukunyaradza;
Rudo rwake sekarwizi mugwenga;
Mira segamba, utarise mhandu.
Chorus
Iwa gamba, Iwa gamba, Iwa gamba,
Utarise mhandu.
Utarise mhandu.
Text from Kristu Munzwiyo · © respective copyright holders · shared for worship use
Swipe left or right for the next or previous hymn