Hymn 206 Ndapa Upenyu Hwangu Kwemuri

[V1]
Ini ndakufira, Nda’paradza ropa
Kuti utengiwe, Upiwe upenyu
Ini ndakakufirazve, Iwe wandipenyi?
Ini ndakakufirazve, Iwe wandipenyi?

[V2]
Ndakasiya umba, Yababa yembiri
Ndakauya pasi, redima nenhamo
Ndakazvisiira iwe, Wakandisiirenyi?
Ndakazvisiira iwe, Wakandisiirenyi?

[V3]
Ndakatambudzika, zvinorwadza kwazvo
Pamusana pako, kuti ununurwe?
Ndakazvitakurira’we, Wanditakurirei?
Ndakazvitakurira’we, Wanditakurirei?

206. Ndapa Upenyu Hwangu Kwemuri

Link copied to clipboard successfully!