Hymn 175

Tenzi Semufudzi

Verse 1
Muponesi semufudzi,
Titungamirireyi
Murufaro tigutseyi,
Tigadzirire denga Komborerwa Jesu wedu,
Imwi makatitenga
Komborerwa Jesu wedu, Imwi makatitenga
Verse 2
Tirivenyu tifadzeyi,
Tichengete munzira
Tidzivirire chitema,
Titsvake tarasika
Komborerwa Jesu wedu, Tinzwe tichinamata
Komborerwa Jesu wedu, Tinzwe tichinamata
Verse 3
Matsidza kutigashira,
Kana takanyangadza
Mune tsitsi munengoni,
Dzekuti sunungura
Komborerwa Jesu wedu, Tichadzoka kwamuri
Komborerwa Jesu wedu, Tichadzoka kwamuri

Text from Kristu Munzwiyo · © respective copyright holders · shared for worship use

Link copied to clipboard successfully!