Hymn 89

Nguva Yakanaka

Verse 1
Nguva’yo yekunamata,
Naiyo takomborerwa,
Inotipa kukumbira,
Kuna Baba wekudenga,
Munguva dzekutambudzwa,
Mwoyo yedu yanyaradzwa,
Yapukunyuka kubatwa,
Ne’yo nguva yekutenda
Verse 2
Nguva’yo yekunamata,
Tapinda’vo kukumbira,
Kuna Iye warindira,
Isu kutikomborera,
Ngekuti wandidaidza,
Mutsa wake ndasimbira,
Vachabvisa zvakaipa,
Panguva yekunamata
Verse 3
Nguva’yo yekunamata,
Ndinodisa kunyaradzwa,
Sepagoma’ro rePisgah,
Ndoona musha kudenga,
Murumuko rwekusafa,
Chipo changu ndichapiwa,
Ndichati apo ndakwira,
Ndapinda ngekunamata

Text from Kristu Munzwiyo · © respective copyright holders · shared for worship use

Link copied to clipboard successfully!