Hymn 47

Ndinomira PaJordani

Verse 1
Ndinomira paJordani,
Nekunangisisa,
Kunyika’yo yeKenani,
Uko kune musha
Chorus
Tichazorora kunyika iyo,
Nguva shoma tichazorora
Toimba rwiyo rwaMosisi naJesu,
NaJesu tichazogara
Verse 2
Kumakomo akanaka,
Kuriko kupenya,
Uko Kristu anotonga,
Hakuchina dima
Chorus
Tichazorora kunyika iyo,
Nguva shoma tichazorora
Toimba rwiyo rwaMosisi naJesu,
NaJesu tichazogara
Verse 3
Ndichasvika’ko rini’ko?
Nekukomborerwa,
Nekuvona Bba wangu,
NaIye kugara?
Chorus
Tichazorora kunyika iyo,
Nguva shoma tichazorora
Toimba rwiyo rwaMosisi naJesu,
NaJesu tichazogara
Verse 4
Mwoyo wangu wafarira,
Unoda kuenda,
Handityi chiro chouya,
Ndasihnga kufamba
Chorus
Tichazorora kunyika iyo,
Nguva shoma tichazorora
Toimba rwiyo rwaMosisi naJesu,
NaJesu tichazogara

Text from Kristu Munzwiyo · © respective copyright holders · shared for worship use

Link copied to clipboard successfully!