Hymn 42 Hatichati Kwasaranyi

[V1]
Pasi pano nevashamwari,
Tinozoonana,
Asi zvimwe tine urombo,
Apo tapatsana

[C]
Hatichati, ”Kwasaranyi”, Kumusha waMwari
Kunyika’yo yerufaro, Hakuna kwasarai

[V2]
Tinofara nekusimbira,
Apo tapatsana,
Kuti apo Jesu auya,
Zvetichaonana

[C]
Hatichati, ”Kwasaranyi”, Kumusha waMwari
Kunyika’yo yerufaro, Hakuna kwasarai

[V3]
Kupatsana hakutaurwi,
Kumusha wedu’yo,
Asi tichaimba ndwiyozve,
Rufaro nerudo

[C]
Hatichati, ”Kwasaranyi”, Kumusha waMwari
Kunyika’yo yerufaro, Hakuna kwasarai

42. Hatichati Kwasaranyi

Link copied to clipboard successfully!