Hymn 26

Sezvo Ndiri

Verse 1
Sezvo ndiri, asi Jesu,
Pamchinjiko wandifira,
Nekuti wandidayidza,
Nyenye yaMwari, ndauya
Verse 2
Sezvo ndiri, handiyedzi,
Mwoyo wangu kuchenesa,
Asi munondiyeresa,
Nyenye yaMwari, ndauya
Verse 3
Sezvo ndiri, ndatambudzwa,
Nekutya nekupokana,
Zvepasi zvinondiyedza,
Nyenye yaMwari, ndauya
Verse 4
Sezvo ndiri, ndinoshaya,
Ndine urombo, webofu,
Asi zvese munondipa,
Nyenye yaMwari, ndauya
Verse 5
Sezvo ndiri, ndinouya,
Kuti mundisunungura
Ngekuti ndinodawira,
Nyenye yaMwari, ndauya
Verse 6
Sezvo ndiri, rudo rwako,
Rwandikurira mumwoyo,
Ndiri wako wega zvino,
Nyenye yaMwari ndauya

Text from Kristu Munzwiyo · © respective copyright holders · shared for worship use

Link copied to clipboard successfully!