Hymn 8

Mazita Anodaidzwa

Verse 1
Kuti tenzi anoridza tsuri yekuguma ’Iyo,
Apo nguva yepasi yapera’wo;
Kuti vakanaka vese vanounganidzwa’po
Mazita anodaidzwa, ndiripo.
Chorus
Mazita anodaidzwa (katatu)
Anodaidzwa kudenga, ndiripo
Verse 2
Pamusi’wo vanomuka vakafa kuna Kristu,
Vanoona mbiri huru yake’yo
Apo vasarudzwi vanosangana kumusha’ko,
Mazita anodaidzwa ndiripo
Chorus
Mazita anodaidzwa (katatu)
Anodaidzwa kudenga, ndiripo
Verse 3
Ngatibate basa rake kuti rinozopera;
Ngatishumaire rudo rwaMwari
Ndizvo Jesu anouya kutora vanhu vake,
Mazita anodaidzwa ndiripo
Chorus
Mazita anodaidzwa (katatu)
Anodaidzwa kudenga, ndiripo

Text from Kristu Munzwiyo · © respective copyright holders · shared for worship use

Link copied to clipboard successfully!