Hymn 5

Kure Senyi Kumusha?

Verse 1
A kurekure kumusha?
Ndabvunza murindi, ati,
Usiku hurikupera,
Kwakuda kuyedza
Usacheme, kurumidza,
Mutewere, kusimbira;
Muchasvika mukupenya
Hakuna kupera
Verse 2
Ndabvunza kune mukani,
Anerwiyo rwekushinga,
Ngekushinga ndinokana,
Hondo ichapera.
Musacheme, mutevere,
Dakara basa rapera,
Tinoziwa tinechipo,
Kuti takurira
Verse 3
Ndabvunzazve pasi, zuwa,
Zvese zvakandipindura;
Nguva irikundopera,
Jesu anouya.
Musacheme, zviwonisozve
Zviri kutinyewera,
Zvisikwa zvese zvinoda
Tsuri imborira.
Verse 4
Tiripatyo nekumusha,
Kunofadza kutondera
Chifarai imwi vafambi,
Bvisanyi’wo kutya.
Musacheme, tisangane
Apo kusina kuneta,
Zviyedzo’zvo zvakapera,
Taswika kumusha

Text from Kristu Munzwiyo · © respective copyright holders · shared for worship use

Link copied to clipboard successfully!